Hebrews 6:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Mŋari pakupikira Abrahama, wakapika naiye amene, nokuti wakaŋga asinomukuru kwaari waaŋgapika naye,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari paakaita vimbiso yake kuna Abhurahama, sezvo kwakanga kusina mumwe mukuru kwaari wokuti angapika naye, akapika naiye amene,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti zviya, Mwari zvaakatsidzirana naAbhurahamu akapika naiye pachake nokuti pakanga pasina mukuru pana iye waaigona kupika naye,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Mwari pakupikira Abhurahamu, akapika naiye amene, nokuti akanga asina mukuru kwaari waangapika naye,
Shona 2009?
Nokuti Mwari pakupikira Abhurahamu, wakapika naiye amene, nokuti wakanga asinomukuru kwaari waangapika naye,
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Mwari pakupikira Abhurahamu, akapika naiye amene, nokuti akanga asina mukuru kwaari waangapika naye,