Hebrews 7:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Merkisedeki uyo, mambo weSaremi, muprista waMŋari Wokumsoro‐soro, wakasoŋgana naAbrahama pakudzoka kwake andoʋuraya madzimambo, akamuropafadza;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo uye akamuropafadza,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti iye Merekizedheki uyu, mambo weSaremu, mupristi waMwari Wokumusororo, akachingurana naAbhurahamu akanga achidzoka kubva kwaakanga andouraya madzimambo. Merekizedheki akakomborera Abhurahamu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Merekizedheki uyo, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wokumusoro-soro, akasangana naAbhurahamu pakudzoka kwake andouraya madzimambo, akamuropafadza;
Shona 2009?
Nokuti Merikizedheki uyo, mambo weSaremi, muprista waMwari Wokumusoro-soro, wakasongana naAbhurahamu pakudzoka kwake andovuraya madzimambo, akamuropafadza;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Merekizedheki uyo, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wokumusorosoro, akasangana naAbhurahamu pakudzoka kwake andouraya madzimambo, akamuropafadza;