Hebrews 7:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo, kana kukwaniswa kwaiʋa’po nenzira yoʋuprista bgaRevi (nokuti ʋanhu ʋakapiwa murairo nokuɗa kwabgo), ko mumŋe muprista waifanira kuzomuka seiko unorudzi naMerkisedeki, asiŋganzi unorudzi naAroni?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kana dai ururami huzere hwaiwanikwa pamusana poupristi hwaRevhi, nokutika panguva yahwo ndopakapiwa vanhu mutemo; ko paizodirwei kuti pamuke mumwe mupristi wegovero raMerekizedheki panze pomupristi anodaidzwa nezita regovero raAroni,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira youpristi hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko mumwe mupristi aifanira kuzomuka seiko anorudzi naMerekizedheki, asinganzi anorudzi naAroni?
Shona 2009?
Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira yovuprista bwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murairo nokuda kwabwo), ko mumwe muprista waifanira kuzomuka seiko unorudzi naMerikizedheki, asinganzi unorudzi naAroni?
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo, kana kukwaniswa kwaivapo nenzira youpristi hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murairo nokuda kwahwo), ko mumwe mupristi aifanira kuzomuka seiko anorudzi naMerekizedheki, asinganzi ane rudzi naAroni?