Hebrews 7:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti uyo unorebga ɀinhu iɀi pamsoro pake, wakaŋga ari worumŋe rudzi, rwakaŋga rusinomunhu wakamboɓate‐ɓasa paartari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndoworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ari kurehwa panyaya iyi akanga ari werimwewo dzinza risina ati amboshanda paAritari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti uyo anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake, akanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusina munhu akambobata basa paaritari.
Shona 2009?
Nokuti uyo unorebwa zvinhu izvi pamusoro pake, wakanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusino munhu wakambobate-basa paaritari.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti uyo anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake, akanga ari worumwe rudzi, rwakanga rusina munhu akambobata basa paatari.