Hebrews 7:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀinoʋonekwa pacena, kuti Ishe weɗu wakabva kunaJuda; pamsoro porudzi urwu Mosesi haana‐kureʋa ɀaʋaprista.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi rwaMozisi haana kureva zvavaprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zviri pachena kuti Tenzi wedu wakabva kudzinza raJudha, nezvedzinza irori panyaya yezvavapristi, Mosesi haana chaakamboreva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvinoonekwa pachena, kuti Ishe wedu akabva kuna Judha; pamusoro porudzi urwu, Mosesi haana kureva zvavapristi.
Shona 2009?
Nokuti zvinovonekwa pachena, kuti Ishe wedu wakabva kunaJudha; pamusoro porudzi urwu Mozisi haana kureva zvavaprista.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvinoonekwa pachena, kuti Ishe wedu akabva kuna Judha; pamusoro porudzi urwu, Mosesi haana kureva zvavapristi.