Hebrews 7:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
(nokuti iʋo ʋakaitwa ʋaprista kusinemhiko, asi iye nokupika kwaiye, wakati kwaari: Ishe wakapika, haaŋgaɀidyi mŋoyo ɀe, aciti: Iwe uri muprista nokusiŋgaperi);
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari: “Ishe akapika uye haangashanduri murangariro wake: ‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vakave vapristi pasina mhiko asi iye akave mupristi zvine mhiko. Uye akati kwaari nemhiko, “Mwari akapika uyezve haachasanduka, akati, ‘Uri mupristi nokusingaperi.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti ivo vakaitwa vapristi kusina mhiko, asi iye nokupika kwaiye, akati kwaari, “Ishe akapika, haangazvidyi mwoyozve, achiti, ‘Iwe uri mupristi nokusingaperi.’ ”
Shona 2009?
(nokuti ivo vakaitwa vaprista kusinemhiko, asi iye nokupika kwaiye, wakati kwaari: Ishe wakapika, haangazvidyi moyozve, achiti: Iwe uri muprista nokusingaperi wegwara "reimba" yaMerikizedheki);
Shona SUB 2002 Bible
nokuti ivo vakaitwa vapristi kusina mhiko, asi iye nokupika kwaiye, akati kwaari, “Ishe akapika, haangazvidyi mwoyozve, achiti, ‘Iwe uri mupristi nokusingaperi.’ ”