Hebrews 7:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti muprista mukuru wakaɗai ndiye wataifanira kuʋa naye, mutȿene, usinecakaipa, usina‐kuȿiɓiswa, wakaparadzaniswa naʋatadzi, wakakwidzwa kumsoro kweɗeŋga;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti zvakanga zvakakodzera kuti tive nomupristi mukuru wakadai, akarurama, asina chinoshoreka, asina kun'oreswa, akatsaurwa achibviswa panavatadzi, akasimudzirwa pamusoro, kupfuura matenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mupristi mukuru akadai ndiye ataifanira kuva naye, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa navatadzi, akakwidzwa kumusoro kwedenga;
Shona 2009?
Nokuti muprista mukuru wakadai ndiye wataifanira kuva naye mutsvene, usinechakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa navatadzi, wakakwidzwa kumusoro kwedenga;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Mupristi Mukuru akadai ndiye ataifanira kuva naye, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, akaparadzaniswa navatadzi, akakwidzwa kumusoro kwedenga;