Hebrews 7:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
usiŋgafaniri, saʋaya ʋaprista ʋakuru, kuɓayira zuʋa rimŋe nerimŋe, pakutaŋga pamsoro peɀiʋi ɀaʋo, pashure pamsoro peɀiʋi ɀaʋanhu; nokuti wakaita iɀoɀi kamŋe cete, ɀikapera, pakuɀiita kwake ciɓayiro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Iye akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Haasungirwi, sezvinoita vapristi vakuru vaya, kuti zuva roga roga apire chibayiro, pokutanga achizvipirira iye pachake, ozopirirawo zvitadzo zvavanhu, nokuti iye akaita izvi chakamwe paye paakazvipira iye pachake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asingafaniri, savaya vapristi vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvavo, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti akaita izvozvi kamwechete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro.
Shona 2009?
usingafaniri, savaya vaprista vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro.
Shona SUB 2002 Bible
asingafaniri, savaya vapristi vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvavo, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti akaita izvozvi kamwechete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro.