Hebrews 7:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti murairo unogadza ʋanhu ʋanoʋutera, kuti ʋaʋe ʋaprista ʋakuru; asi shoko rokupika, rakateʋera murairo, rinogadza Mŋanakomana, wakakwaniswa nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti murayiro unogadza vanhu vano utera savaprista vakuru; asi mhiko yakauya shure kwomurayiro, yakagadza mwanakomana, uyo akakwaniswa nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hongu, Mutemo unogadza vanhu vane utera kuti vave vapristi vakuru, asi izwi remhiko, rakazouya mushure moMutemo, rakagadza Mwanakomana, akaita mururami nokusingaperi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti murayiro unogadza vanhu vanoutera, kuti vave vapristi vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murayiro, rinogadza Mwanakomana, akakwaniswa nokusingaperi.
Shona 2009?
Nokuti murairo unogadza vanhu vanovutera, kuti vave vaprista vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwaniswa nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti murairo unogadza vanhu vanoutera, kuti vave vapristi vakuru; asi shoko rokupika, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, akakwaniswa nokusingaperi.