Hebrews 7:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino aʋo, ʋari ʋanakomana ʋaRevi, ʋanopiwa ɓasa roʋuprista, ʋakarairwa nomurairo kuti ʋatore cegumi kuʋanhu, iko kuhama dzaʋo, kunyaŋge ʋakabva muciʋuno caAbrahama;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino murayiro unoti avo vari zvizvarwa zvaRevhi vakava vaprista kuti vatore chegumi kuvanhu, idzo hama dzavo, kunyange zvazvo hama dzavo dziri zvizvarwa zvaAbhurahama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vechizvarwa chaRevhi vanogamuchira upristi hwedzinza. Vano murau unovabvumira kutora, zviri pamutemo, chegumi kubva kuvanhu, ndokuti kubva kuhama dzavo, kunyange vari vana vedzinza rimwechete raAbhurahamu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa roupristi, vakarayirwa nomurayiro kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbhurahamu;
Shona 2009?
Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa rovuprista, vakarairwa nomurairo kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyange vakabva muchivuno chaAbhurahamu,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino avo, vari vanakomana vaRevhi, vanopiwa basa roupristi, vakarayirwa nomurairo kuti vatore chegumi kuvanhu, iko kuhama dzavo, kunyangwe vakabva muchiuno chaAbhurahamu;