Hebrews 8:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndiyo suŋgano yandicaita neimba yaIsraeri Kana mazuʋa iwayo apfuʋura, ndiɀo ɀinotaura Ishe; Ndicaisa mirairo yaŋgu pakufuŋga kwaʋo, Napamŋoyo yaʋo ndicainyora, Ndicaʋa Mŋari waʋo, Iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri, mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mundangariro dzavo, uye ndichainyora pamwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye vachava vanhu vangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ichi ndicho chitenderano chandichaita neveimba yokwaIsiraeri mushure mamazuva iwayo ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndichaisa mitemo yangu mupfungwa dzavo ndigoinyora mumwoyo mavo, ini ndichava Mwari wavo, ivowo vachava vanhu vangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndiyo sungano yandichaita nemhuri yaIsiraeri Kana mazuva iwayo apfuura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirayiro yangu pakufunga kwavo, Napamwoyo yavo ndichainyora, Ndichava Mwari wavo, Ivo vachava vanhu vangu;
Shona 2009?
Nokuti ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri Kana mazuva iwayo apfuvura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pakufunga kwavo,Ivo vachava vanhu vangu;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndiyo sungano yandichaita nemhuri yaIsiraeri Kana mazuva iwayo apfuura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pakufunga kwavo, Napamwoyo yavo ndichainyora, Ndichava Mwari wavo, Ivo vachava vanhu vangu;