Hebrews 8:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti muprista mukuru mumŋe nomumŋe wakagadzwa, kuti aɓayire Mŋari ɀipo neɀiɓayiro; naiɀoɀo naiye waifanira kuti aʋe necaaŋgaɓayira ʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprista mukuru mumwe nomumwe akagadzwa kuti ape zvose zvipo nezvibayiro kuna Mwari, naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti uyu ave nechokubayirawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi mukuru oga oga anogadzwa kuti apire zvipo nezvibayiro. Naizvozvo mupristi iyeyo anofanira kuva nezvipo zvaanopira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe akagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibayiro; naizvozvo naiye aifanira kuti ave nechaangabayirawo;
Shona 2009?
Nokuti muprista mukuru mumwe nomumwe wakagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibayiro; naizvozvo naiye waifanira kuti ave nechaangabayiravo;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Mupristi Mukuru mumwe nomumwe akagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibairo; naizvozvo naiye aifanira kuti ave nechaangabayirawo;