Hebrews 8:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti ɗai aiʋa panyika, uŋgaɗai asina‐kuʋa muprista, nokuti ʋaprista ʋari’po, ʋanoɓayira Mŋari ɀipo seɀinorebga nomurairo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dai akanga ari panyika, angadai asina kuva muprista, nokuti vaprista vakanga varipo kare vaibayira zvipo sezvakarehwa nomurayiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino dai kuri kuti aripo pasi pano haaizombova mupristi zvapane vapristi vanopira zvipo maererano nomutemo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti dai aiva panyika, angadai asina kuva mupristi, nokuti vapristi varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorehwa nomurayiro;
Shona 2009?
nokuti dai aiva panyika, ungadai asina kuva muprista, nokuti vaparista varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorebwa nomurairo;
Shona SUB 2002 Bible
nokuti dai aiva panyika, angadai asina kuva mupristi, nokuti vapristi varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorehwa nomurairo;