Hebrews 8:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iʋo ʋanoshumira mufananidzo nomumvuri weɀokuɗeŋga, seɀaakarairwa iye Mosesi oɗa kuita tabernakeri; nokuti wakati: Tarira, uite ɀose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaishumira panzvimbo tsvene inova mufananidzo nomumvuri wezviri kudenga. Nokuda kweizvi Mozisi akayambirwa paakanga ava kuvaka tabhenakeri: “Uve nechokwadi kuti waita zvose maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanonamata muNzvimbo inoera inongova somufananidzo nomumvuri weiri kudenga nokuti Mosesi paakanga ava kuvaka tendhe akataurirwa naMwari achinzi, “Ona kuti waita zvose maererano nezvawakaratidzwa pagomo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarayirwa iye Mosesi oda kuita tabhenakeri; nokuti akati, “Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.”
Shona 2009?
ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarairwa iye Mozisi oda kuita tabhernakeri;nokuti wakati: Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.
Shona SUB 2002 Bible
ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarayirwa iye Mosesi oda kuita tabhenakeri; nokuti akati, “Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.”