Hebrews 8:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀino wakapiwa ɓasa rakanyanya kunaka, seɀaari Mureʋereri wesuŋgano inopfuʋura nokunaka, yakasimbiswa neɀipikirwa ɀinopfuʋura nokunaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ushumiri hwakapiwa Jesu hwakapfuura hwavo pakunaka sezvo ari murevereri wesungano inopfuura nokunaka pane sungano yakare, uye yakasimbiswa nezvipikirwa zviri nani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi zvino Jesu akawana basa rakatonakisisa kupinda rakare. Pamusana paizvozvo ndiye ava muyananisi wechitenderano chiri nani chakaitwa nezvitsidzo zviri nani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvino akapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuura nokunaka.
Shona 2009?
Asi zvino wakapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuvura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuvura nokunaka.
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvino akapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuura nokunaka.