Hebrews 9:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Kristu wakati aȿika ari muprista mukuru weɀinhu ɀakanaka ɀinozoʋuya, akapinda napatabernakeri yakapfuʋura pakukura napakukwana, isinakuitwa namaʋoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kristu paakauya somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvatova pano kare, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura uye napakukwana isina kugadzirwa nomunhu, zvichireva kuti yakanga isiri chikamu chokusikwa kuno.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi pakazouya Kristu, mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvakauya, akapfuura nomutendhe rine ukuru huri nani norunako irinani, isina kuitwa namaoko avanhu zvichireva kuti haisi yapanyika pano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Kristu akati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura napakukwana, isina kuitwa namaoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno,
Shona 2009?
Asi Kristu wakati asvika ari muprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozovuya, akapinda napatabhernakeri yakapfuvura pakukura napakukwana, isina kuitwa namavoko, ndiko kuti isati iri yokusikwa kuno,
Shona SUB 2002 Bible
Asi Kristu akati asvika ari Mupristi Mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura napakukwana, isina kuitwa namaoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno,