Hebrews 9:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀireʋo ɀose ɀakati ɀataurwa kuʋanhu ʋose naMosesi seɀakareʋa murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamŋe cete nemvura namakushe matȿuku, nehisopi, akasasa buku imene naʋanhu ʋose,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi paakaparidza mirayiro yose kuvanhu vose, akatora ropa remhuru, pamwe chete nemvura, neshinda tsvuku uye namapazi ehisopi, akasasa pabhuku rakapetwa uye napavanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokusaka, Mosesi paakapedza kutaurira vanhu vose mirao iri mumutemo, akatora ropa remhuru nerembudzi pamwe nemvura akazvisasa pagwaro roMutemo napavanhu vose achisevenzesa wuru tsvuku nekasanzu kemuhisopo; achiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvirevo zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMosesi sezvakareva murayiro, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamwechete nemvura namakushe matsvuku, nehisopi, akasasa bhuku imene navanhu vose,
Shona 2009?
Nokuti zvirevo zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMozisi sezvakareva murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamwe chete nemvura namakushe matsuku, nehisopi, akasasa bhuku imene navanhu vose,
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvirevo zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMosesi sezvakareva murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamwechete nemvura namakushe matsvuku, nehisopi, akasasa bhuku imene navanhu vose,