Hebrews 9:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti ɗai ɀakaŋga ɀakaɗaro, uŋgaɗai aitambura kazhinji kubva pakuʋambga kwenyika; asi ɀino wakaʋonekwa kamŋe cete pakupedzisira kweŋguʋa, kuti aparadze ɀiʋi, nokuɀiita ciɓayiro kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Kristu angadai akazotambudzika kakawanda kubva pakuvambwa kwenyika. Asi zvino akaonekwa kamwe chete pamagumo enguva kuti aparadze chivi nokuzviita chibayiro iye pachake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai zvakadaro aifanira kunge akatambudzika kazhinji — zhinji kubvira kumavambo apasi. Asi sezvazviri, akauya chakamwe, pakupera kwenguva kuzoparadza chitadzo nokuzvipira kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti dai zvakanga zvakadaro, angadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino akaonekwa kwamwechete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibayiro kwake.
Shona 2009?
nokuti dai zvakanga zvakadaro, ungadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino wakavonekwa kamwe chete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibairo kwake.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti dai zvakanga zvakadaro, angadai aitambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi zvino akaonekwa kwamwechete pakupedzisira kwenguva, kuti aparadze zvivi, nokuzviita chibayiro kwake.