Hebrews 9:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀinhu iɀi ɀakati ɀagadzirwa saiɀoɀo, ʋaprista ʋaipinda mutabernakeri yokutaŋga ŋguʋa dzose, ʋaciɓata maɓasa okushumira Mŋari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvinhu zvose zvakati zvagadzirwa saizvozvi, vaprista vaizopinda mukamuri yokutanga nguva dzose vachiita ushumiri hwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Marongerwo ezvinhu izvi akamira akadaizvi: vapristi vanopinda nguva dzose muNzvimbo Tsvene yokunze vachiita basa ravo asi mutendhe yechipiri
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda mutabhenakeri yokutanga nguva dzose, vachibata mabasa okushumira Mwari;
Shona 2009?
Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vaparista vaipinda mutabernakeri yokutanga nguva dzose, vachibata mabasa okushumira Mwari;
Shona SUB 2002 Bible
Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda mutabhenakeri yokutanga nguva dzose, vachibata mabasa okushumira Mwari;