Hebrews 9:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi muneyecipiri muprista mukuru waipinda ari oga, kamŋe cete negore, asiŋgapindi asineropa, raaiɀiɓayirira iye neɀiʋi ɀaʋanhu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi muprista mukuru oga ndiye aipinda mukamuri yomukati, uye kamwe chete pagore, uye asingatongopindi asina ropa, raaizvibayira iye pachake nezvivi zvavanhu zvavakanga vaita mukusaziva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
munopindwa nomupristi mukuru chete, kamwechete pagore. Kuti apindemo anofanira kuti atakure ropa raanopirira zvikanganiso zvake nezvavanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi muneyechipiri mupristi mukuru aipinda ari oga, kamwechete pagore, asingapindi asina ropa, raaizvibayirira iye nezvivi zvavanhu;
Shona 2009?
asi muneyechipiri muprista mukuru waipinda ari oga, kamwe chete negore, asingapindi asineropa, raaizvibayirira iye nezvivi zvavanhu;
Shona SUB 2002 Bible
asi mune yechipiri Mupristi Mukuru aipinda ari oga, kamwechete pagore, asingapindi asina ropa, raaizvibayirira iye nezvivi zvavanhu;