Hosea 1:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaJuda naʋana ʋaIsraeri ʋacaʋuŋganidzwa pamŋe cete, ʋacaɀigadzira mukuru mumŋe, ndokubva panyika ino, nokuti zuʋa reJezreeri ricaʋa guru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu veJudha navanhu veIsraeri vachabatanazve, uye vachasarudza mutungamiri mumwe chete uye vachasimukira panyika, nokuti zuva raJezireeri richava zuva guru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vokwaJudha navanhu vokwaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete. Vachazvisarudzira mutungamiriri mumwechete vagomera munyika ino nokuti zuva rokusima kwaMwari iroro richava zuva guru kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika ino, nokuti zuva reJezireri richava guru.
Shona 2009?
Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika nokuti zuva reJezireeri richava guru.
Shona SUB 2002 Bible
Vana vaJudha navana VaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika ino, nokuti zuva reJezireri richava guru.