Hosea 1:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pakutaŋga kwokutaura kwaJehova naHosea, Jehova wakati kunaHosea: Enda undoɀitorera mukadzi woʋufeʋe naʋana ʋoʋufeʋe; nokuti nyika inofeʋa ɀikuru, ɀaʋakasiyana naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha paakatanga kutaura kubudikidza naHosea, Jehovha akati kwaari, “Enda, undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve nokuti nyika ine mhosva yokuita ufeve hwakaipisisa nokuti yakabva kuna Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakatangisisa chaipo Tenzi kutaura nomuromo waHosea, iye Tenzi akati kuna Hosea, “Enda undotora pfambi uite vana nayo voufeve nokuti nyika iri kuita ufeve hwakakurisa kwazvo hwokufuratira Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosea, Jehovha akati kuna Hosea, “Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.”
Shona 2009?
Pakutanga kokutaura kwaJehovha naHosiya, Jehovha akati kuna Hosiya, "Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosiya, Jehovha akati kuna Hosiya, “Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.”