Hosea 10:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaIsraeri muzambiriŋga unotanda ɀakanaka, unoɓereka ɀiɓereko ɀawo; ɀiɓereko ɀaʋo ɀakati ɀiciwanda, ʋakawanza ʋo maartari aʋo; nyika yaʋo yakati icifara, iʋo ʋakaɀiitira ʋo shoŋgwe dzakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Israeri akanga ari muzambiringa unotanda; akazviberekera zvibereko. Zvibereko zvake pazvakawanda, iye akavakawo aritari dzakawanda; nyika yake payakabudirira, iye akashongedzawo matombo ake akaereswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaIsiraeri vaiva mugirepisi wakanyatsopasa kwazvo uchibereka michero yawo. Waiti ukawadzura kubereka michero, ivo ndopovovaka atari neatari. Sokubudirirawo kwaiita nyika yavo ndokunyatsogadziridzwawo kwavaiita shongwe dzamabwe dzakamisirwa vamwari vavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaIsiraeri mudzambiringa unotanda zvakanaka, unobereka zvibereko zvawo; zvibereko zvavo zvakati zvichiwanda, vakawanzawo maaritari avo; nyika yavo yakati ichifara, ivo vakazviitirawo shongwe dzakanaka.
Shona 2009?
VaIsiraeri muzambiringa unotanda zvakanaka, unobereka zvibereko zvawo; zvibereko zvavo zvakati zvichiwanda, vakawanzawo maaritari avo; nyika yavo yakati ichifara, ivo vakazviitirawo shongwe dzakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
VaIsiraeri mudzambiringa unotanda zvakanaka, unobereka zvibereko zvawo; zvibereko zvavo zvakati zvichiwanda, vakawanzawo maatari avo; nyika yavo yakati ichifara, ivo vakazviitirawo shongwe dzakanaka.