Hosea 12:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Efraimi ʋanoɀigutisa nemhepo, ʋanoteʋerera mhepo yokumabvazuʋa; ʋanoramba ʋaciwedzera nhema nokuparadza; ʋanoita suŋgano neAsiria, ʋuye mafuta anoiswa Egipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Efuremu anodya mhepo; anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva rose uye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba. Anoita sungano neAsiria, uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaEfuremu vanoita ushamwari nemhepo, vachiswerodzingirirana zuva rese nemhepo yokumabvazuva zvayo. Nhema noutsinye, ndizvo zvavanowanza vachiita zvibvumirano neAsiria vachituta mafuta kuaenda kuIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Efuremu vanozvigutisa nemhepo, vanoteverera mhepo yokumabvazuva; vanoramba vachiwedzera nhema nokuparadza; vanoita sungano neAsiria, uye mafuta anoiswa Ijipiti.”
Shona 2009?
' "Efuremu vanozvigutisa nemhepo, vanoteverera mhepo yokumabvazuva; vanoramba vachiwedzera nhema nokuparadza; vanoita sungano neAsiria, uye mafuta anoiswa Ijipiti."
Shona SUB 2002 Bible
“Efuremu vanozvigutisa nemhepo, vanoteverera mhepo yokumabvazuva; vanoramba vachiwedzera nhema nokuparadza; vanoita sungano neAsiria, uye mafuta anoiswa Ijipiti.”