Hosea 13:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge akaɓereka ɀiɓereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuʋa icaȿika, iri mhepo yaJehova inobva kurenje; cituɓu cake cicapxa, tsime rake ricawoma; iye ucapamba fuma yenhumbi dzose dzinoɗikanwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kunyange akabudirira pakati pamadzikoma ake. Mhepo yokumabvazuva yaJehovha ichauya, ichivhuvhuta ichibva kurenje; chitubu chake chichapwa uye tsime rake richaoma. Dura rake richapambwa nezvose zvinokosha zviri mariri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvazvo akapasa setsanga dutu rokumabvazuva dutu raTenzi richauya richatutuka kubva kurenje; chitubu chavo chichaoma kuti papata, chisipiti chake chichaoma kuti gwa. Richarozva upfumi hwavo nechose zvacho chakakosha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange akabereka zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuva ichasvika, iri mhepo yaJehovha inobva kurenje; chitubu chake chichapwa, tsime yenhumbi dzose dzinodikanwa.
Shona 2009?
Kunyange akabereka zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuva ichasvika, iri mhepo yaJehovha inobva kurenje; chitubu chake chichapwa, tsime rake richaoma, iye uchapamba fuma yenhumbi dzose dzinodikamwa.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe akabereka zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuva ichasvika, iri mhepo yaJehovha inobva kurenje; chitubu chake chichapwa, tsime yenhumbi dzose dzinodikanwa.