Hosea 13:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Samaria ricaʋa nemhoȿa yaro, nokuti ʋakamukira Mŋari waʋo; ʋacaparadzwa nomunondo, ʋacece ʋaʋo ʋacaputsanyiwa, ʋakadzi ʋaʋo ʋanemimba ʋacatumburwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu veSamaria vanofanira kutakura mhaka yavo, nokuti vakamukira Mwari wavo. Vachaparadzwa nomunondo; vacheche vavo vacharoverwa pasi. Vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samaria ichapfukirwa nemhosva yayo nokuti yakapandukira Mwari wayo. Vacharakatiswa kufa nehondo yepfumo, pwere dzavo dzichipwatitsirwa pasi madzimai avo akazvitakura achitumburwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Samaria richava nemhosva yaro, nokuti vakamukira Mwari wavo; vachaparadzwa nomunondo, vacheche vavo vachaputsanyiwa, vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”
Shona 2009?
"Samaria richava nemhosva yaro, nokuti vakamukira Mwari wavo; vachaparadzwa nomunondo, vacheche vavo vachaputsanyiwa, vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa."
Shona SUB 2002 Bible
“Samaria richava nemhosva yaro, nokuti vakamukira Mwari wavo; vachaparadzwa nomunondo, vacheche vavo vachaputsanyiwa, vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”