Hosea 13:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀino ʋanoŋgoramba ʋaciwedzera ɀiʋi ɀaʋo, ʋakaɀiitira ɀifananidzo ɀakaʋumbga nesirveri yaʋo, ɀiri ɀifananidzo ɀenjere dzaʋo, ɀose ɀiri ɓasa remhizha; ɀino ʋanoti pamsoro paɀo: Ʋanoɓayira mhuru ŋgaʋadziȿete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vanoramba vachingotadza; vanozviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvakaumbwa nenjere dzavo, zvose ari mabasa emhizha. Pamusoro pavanhu ava zvinonzi, “Vanobayira zvibayiro uye vanotsvoda zviumbwa zvemhuru.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye zvino vari kungoramba vachipara zvitadzo pamusoro pezvimwe; vari kuzviumbira zvifananidzo zvesimbi, zvifananidzo zvokunamata zvakanyatsogadzirwa zvesirivha zvose zviri zvinhu zvakaitwa namaoko avanhu vachitoti kuvanhu, “Pirai zvibayiro kune zvizvi,” vanhu vachitotsvoda zvimhuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvino vanongoramba vachiwedzera zvivi zvavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvenjere dzavo, zvose zviri basa remhizha; zvino vanoti pamusoro pazvo, “Vanobayira mhuru ngavadzisvete.”
Shona 2009?
Asi zvino vanongoramba vachiwedzera zvivi zvavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvenjere dzavo, zvose zviri basa remhizha; zvino vanoti pamusoro pazvo, "Vanobayira mhuru ngavadzisvete."
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvino vanongoramba vachiwedzera zvivi zvavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvenjere dzavo, zvose zviri basa remhizha; zvino vanoti pamusoro pazvo, “Vanobayira mhuru ngavadzisvete.”