Hosea 14:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaporesa kudzokera kwaʋo shure, ndicaʋaɗa nokuɗa kwaŋgu; nokuti kutsamŋa kwaŋgu kwabviswa kwaʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndichaporesa kusateerera kwavo uye ndichangovada hangu, nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Umhandupandu hwavo ihwohwo ndichahurapa, ndichavada zvangu pachena nokuti kuvashatirirwa kwandanga ndakaita, ndazvidzora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nokuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari.
Shona 2009?
"Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nokuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nokuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari.