Hosea 14:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndianiko wakacenjera, anzwisise ɀinhu iɀi, kana wakaŋgwara, aɀiziʋe? Nokuti nzira dzaJehova dzakarurama, ʋakarurama ʋacafamba nadzo; asi ʋaɗariki ʋacawa madziri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi. Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa. Nzira dzaJehovha dzakarurama; vakarurama vanofamba madziri, asi vatadzi vanogumburwa madziri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu wose ano ungwaru, ngaanzwisise zvinhu izvozvi, ani naani zvake anofunga ngaazive zvinhu izvi, nokuti makwara aTenzi makwara akarurama, uye vakarurama vanofamba maari asi vakaipa vanogumburwa nawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.
Shona 2009?
Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.
Shona SUB 2002 Bible
Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.