Hosea 2:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaparadza mizambiriŋga yake nemiʋonde yake, yaaiti: Ndiwo muɓairo waŋgu wandakapiwa naʋaɗikani ʋaŋgu; ndicaɀiita ɗondo, mhuka dzokusaŋgo dzicaɀidya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaparadza mizambiringa yavo nemiti yavo yemionde yakanga iri muripo waibva kuvadiwa vavo. Ndichazviita dondo, uye mhuka dzesango dzichazvidya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Minda yavo yamagirepisi nemiti yemionde ndichaisiya isisina chinhu, iyo yavaizuwa nayo vachiti, “Ndizvo zvomuripo wangu izvi wandakapiwa nezvikomba zvangu.” Ndichaiita kuti rive sango zvaro ichidyiwa zvayo nemhuka dzesango.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichaparadza midzambiringa yake nemionde yake, yaaiti, “Ndiwo mubayiro wangu wandakapiwa navadikani vangu; ndichazviita dondo, mhuka dzokusango dzichazvidya.
Shona 2009?
Ndichaparadza mizambiringa yake nemionde yake, yaaiti, "Ndiwo mubayiro wangu wandakapiwa navadikani vangu; ndichazviita dondo, mhuka dzokusango dzichazvidya.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichaparadza mizambiringa yake nemionde yake, yaaiti, “Ndiwo mubairo wangu wandakapiwa navadikani vangu; ndichazviita dondo, mhuka dzokusango dzichazvidya.