Hosea 2:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicamupa minda yake yemizambiriŋga ɀicibva ipapo, nomupata waAkori uʋe mukoʋa wetariro kwaari; ucapindura ari’po, sapamazuʋa oʋusikana bgake, ʋuye sapazuʋa raakaɓuɗa panyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ikoko ndichavadzosera minda yavo yemizambiringa uye ndichaita kuti mupata weAkori uve musuo wetariro. Ikoko vachaimba sapamazuva oumhandara hwavo, sapamazuva avakabuda kubva muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ikoko ndokwandichavadzosera minda yavo yamagirepisi ndigoita kuti Bani rokutambura rive musuo wechitarisiro. Ikokowo vachadaira sapamazuva avo oumhandara senguva iya yavakabuda muIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichamupa minda yake yemidzambiringa zvichibva ipapo, nomupata waAkori uve mukova wetariro kwaari; achapindura aripo, sapamazuva ousikana hwake, uye sapazuva raakabuda panyika yeIjipiti.
Shona 2009?
Ndichamupa minda yake yemizambiringa zvichibva ipapo, nomupata waAkori uve mukova wetariro kwaari; achapindura aripo, sapamazuva ousikana hwake, uye sapazuva raakabuda panyika
Shona SUB 2002 Bible
Ndichamupa minda yake yemizambiringa zvichibva ipapo, nomupata waAkori uve mukova wetariro kwaari; achapindura aripo, sapamazuva ousikana hwake, uye sapazuva raakabuda panyika yeIjipiti.