Hosea 2:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicakunyeŋga uʋe waŋgu nokusiŋgaperi; ɀirokwaɀo ndicakunyeŋga uʋe waŋgu nokururama, nokururamisira, noʋunyoro, nenyasha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi; Ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira, murudo netsitsi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichakuroorazve uchiva wangu nokusingaperi. Ndichakuroorazve ndigova pachokwadi newe. Zvandinenge ndoita kwauri, zvinenge zviri zvinhu zviri pamwero zvine rudo chairwo netsitsi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichakunyenga uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha.
Shona 2009?
Ndichakunyenga uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichakupfimba uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakupfimba uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha.