Hosea 2:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ndicamutorera ɀiyo ɀaŋgu neŋguʋa yaɀo, newaini yaŋgu itȿa nenhambo yaɀo, ndicabvisa makushe aŋgu necinda yaŋgu ɀaifanira kufukidza kushama kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo ndichavatorera zviyo zvangu kana zvaibva, newaini yangu itsva nenguva yayo. Ndichatora makushe angu nomucheka wangu zvaifanira kufukidza kushama kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo ini ndichavatorera mbesanwa dzangu panguva yadzo newaini yangu itsva mumwaka wayo, ndichabvisa wuru yangu neshinda yangu yefurakisi yavaizowana nayo zvokupfeka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake.
Shona 2009?
Saka ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Saka ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake.