Hosea 4:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Inzwai shoko raJehova, imi ʋana ʋaIsraeri, nokuti Jehova unegakaʋa naʋanhu ʋagere munyika ino, nokuti hakuneɀokwaɗi, kana ʋunyoro, kana kuziʋa Mŋari munyika ino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri, nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa kwamuri imi vagere munyika: “Hapana akatendeka, hapana ane rudo, hapana anoziva Mwari munyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwai munzwe shoko raTenzi, “Imi vanhu veIsiraeri, nokuti Tenzi ane mhosva yaari kupa imi vagari venyika ino, pamusana pokuti chokwadi hapasisina, mwoyo wakanaka hapasisina, kana kuziva Mwari chaiko hapasisina munyika'mu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Inzwai shoko raJehovha, “Imi vana vaIsiraeri, nokuti Jehovha ane gakava navanhu vagere munyika ino, nokuti hakune zvokwadi, kana unyoro, kana kuziva Mwari munyika ino.
Shona 2009?
Inzwai shoko raJehovha, "Imi vana vaIsiraeri, nokuti Jehovha ane gakava navanhu vagere munyika ino, nokuti hakune zvokwadi, kana unyoro, kana kuziva Mwari munyika ino.
Shona SUB 2002 Bible
Inzwai shoko raJehovha, “Imi vana VaIsiraeri, nokuti Jehovha ane gakava navanhu vagere munyika ino, nokuti hakuna zvokwadi, kana unyoro, kana kuziva Mwari munyika ino.