Hosea 4:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋaŋgu ʋanobvunza mano paɗanda raʋo, ʋanoziʋiswa netȿimbo yaʋo; nokuti mŋeya wokufeʋa wakaʋatadzisa, ʋakapata, ndokurasha Mŋari waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kwavanhu vangu vanobvunza chifananidzo chedanda uye vanopindurwa netsvimbo yomuti. Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika, havana kutendeka kuna Mwari wavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vangu vanondobvunzira kuchinhu chechimuti zvacho mudonzvo wavo uriwo unovaitira maminimini, nokuti mweya woupfambi wakavateteretsera mutome. Vanosiya Mwari wavo vachienda kundoita zvoufeve.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vangu vanobvunza mano padanda ravo, vanoziviswa netsvimbo yavo; nokuti mweya wokupeva wakavatadzisa, vakapata, ndokurasa Mwari wavo.
Shona 2009?
Vanhu vangu vanobvunza mano padanda ravo, vanoziviswa netsvimbo yavo; nokuti mweya wokufeva wakavatadzisa, vakapata, ndokurasa Mwari wavo.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vangu vanobvunza mano padanda ravo, vanoziviswa netsvimbo yavo; nokuti mweya wokupeva wakavatadzisa, vakapata, ndokurasa Mwari wavo.