Hosea 4:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Handiŋgaroʋi ʋakunda ʋenyu kana ʋacipata, nemŋeŋga yenyu kana icifeʋa; nokuti ʋarume ʋanoenda ʋari ʋoga neɀifeʋe, ʋanoɓayira naʋakadzi ʋanofeʋa; ʋanhu ʋasiŋganzwisisi ʋacaparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Handizorangi vanasikana venyu pavanotendeukira kuufeve, kana varoora venyu pavanoita upombwe, nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve. Uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvapanzvimbo dzinoereswa. Vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handisi kuzoranga vanasikana venyu ivo vanoita upfambi vacho kunyange ivo varoora venyu vacho vanoita upombwe nokuti varumewo pachavo vanotsaukawo nepfambi. Vanopirawo zvibayiro pamwechete nemhombwe kana zvifeve zvetemberi. Zvino vanhu vasinganzwisisi vachasvika mukuparara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Handingarovi vakunda venyu kana vachipata, nemwenga yenyu kana ichifeva; nokuti varume vanoenda vari voga nezvifeve, vanobayira navakadzi vanofeva; vanhu vasinganzwisisi vachaparadzwa.
Shona 2009?
Handingarovi vakunda venyu kana vachipata, nemwenga yenyu kana ichifeva; nokuti varume vanoenda vari voga nezvifeve, vanobayira navakadzi vanofeva; vanhu vasinganzwisisi vachaparadzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Handingarovi vakunda venyu kana vachipata, nemwenga yenyu kana ichifeva; nokuti varume vanoenda vari voga nezvifeve, vanobayira navakadzi vanofeva; vanhu vasinganzwisisi vachaparadzwa.