Hosea 4:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge imi, Israeri, mucipata, Juda ŋgaʋarege kupara mhaka; musaȿika Girgari, musakwira Beti‐aveni, ʋuye musapika, muciti: NaJehova mupenyu!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri, usaita kuti Judha ave nemhosva. “Usaenda kuGirigari; usakwira uchienda kuBheti Avheni. Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe Isiraeri kunyange zvazvo uchiita ufeve vokwaJudha ngavarege kubatwa mumhosva idzodzo. Ngavarege kundopira kuGirigari kana kukwira kuBhetiavheni kunyange kupika vachiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange imi, Isiraeri, muchipata, Judha ngavarege kupara mhaka; musasvika Girigari, musakwira Bhetiavheni, uye musapika, muchiti, ‘NaJehovha mupenyu!’
Shona 2009?
Kunyange imi, Isiraeri, muchipata, Judha ngavarege kupara mhaka; musasvika Girigari, musakwira Bhetiavheni, uye musapika, muchiti, `NaJehovha mupenyu!'
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe imi, Isiraeri, muchipata, Judha ngavarege kupara mhaka; musasvika Girigari, musakwira Bhetiavheni, uye musapika, muchiti, ‘NaJehovha mupenyu!’