Hosea 4:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋaŋgu ʋaparadzwa nokushaiwa ziʋo; ɀawaramba ziʋo, neni ndicakuramba ʋo, kuti urege kuʋa muprista waŋgu; ɀawakaŋganwa murairo waMŋari wako, neni ʋo ndicakaŋganwa ʋana ʋako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo. “Sezvo maramba zivo, ini ndakurambaiwo savaprista vangu; nokuti makafuratira murayiro waMwari wenyu, ini ndichafuratirawo vana venyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vangu vaparara nokushaya ruzivo pamusana pokuti iwe wakaramba ruzivo, iniwo ndinokuramba kuti uve mupristi kwandiri. Pamusana pokukanganwa kwawakaita mutemo waMwari wako, iniwo pachangu ndichakanganwawo vana vako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva mupristi wangu; zvawakanganwa murayiro waMwari wako, neniwo ndichakanganwa vana vako.
Shona 2009?
Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva muprista wangu; zvawakangamwa murayiro waMwari wako, neniwo ndichakangamwa vana vako.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva mupristi wangu; zvawakanganwa murairo waMwari wako, neniwo ndichakanganwa vana vako.