Hosea 5:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Inzwai shoko iri, imi ʋaprista, tererai imi imba yaIsraeri, rerekerai nzeʋe dzenyu, imi imba yamambo; nokuti ndimi munotoŋgwa; nokuti makaŋga muri musuŋgo paMizpa, nomumbure wakadzikwa paRabori.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Inzwai izvi, imi vaprista! Teererai, imi vaIsraeri! Teerera, iwe imba youmambo! Ndiwe uri kutongwa: Wakanga uri musungo paMizipa, mumbure wakatambanudzwa paTabhori.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Chinzwai, imi vapristi, muteerere imi vemba yokwaIsiraeri, muteye nzeve imi vemba yokwamambo, nokuti mhosva yacho ndeyenyu pamusana pokuti imi, ndimi makava chokuteya nacho vanhu kuMizipa'ku, mumbure zvawo wakachinzi wareware kuteyewa paGomo reTabhori,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Inzwai shoko iri, imi vapristi, teererai imi imba yaIsiraeri, rerekerai nzeve dzenyu, imi imba yamambo; nokuti ndimi munotongwa; nokuti makanga muri musungo paMizipa, nomumbure wakadzikwa paRabhori.
Shona 2009?
"Inzwai shoko iri, imwi vaprista, teererai imwi imba yaIsiraeri, rerekerai nzeve dzenyu, imwi imba yamambo; nokuti ndimi munotongwa; nokuti makanga muri musungo paMizipa, nomumbure wakadzikwa paRabhori.
Shona SUB 2002 Bible
“Inzwai shoko iri, imi vapristi, teererai imi imba yaIsiraeri, rerekerai nzeve dzenyu, imi imba yamambo; nokuti ndimi munotongwa; nokuti makanga muri musungo paMizipa, nomumbure wakadzikwa paRabhori.