Hosea 5:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Macinda aJuda akafanana naʋanobvisa ciratidzo cemiganho; ndicaɗurura kutsamŋa kwaŋgu pamsoro paʋo semvura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vatungamiri vaJudha vakafanana naavo vanobvisa mabwe omuganhu. Ndichadurura hasha dzangu pavari samafashamu emvura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Machinda okwaJudha angovawo savanhu vanobvisa hoko yomuganhu, hasha dzangu dzichadirana pavari semvura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Machinda aJudha akafanana navanobvisa chiratidzo chemiganho; ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pawo semvura.
Shona 2009?
"Machinda aJudha akafanana navanobvisa chiratidzo chemiganho; ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pawo semvura.
Shona SUB 2002 Bible
“Machinda aJudha akafanana navanobvisa chiratidzo chemiganhu; ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pawo semvura.