Hosea 5:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Efraimi wakati aciʋona kurwara kwake, naJuda ʋaŋga rake, Efraimi akaenda Asiria, akatuma nhume kunamambo Jarebi; asi iye haagoni kukuporesai, kana kuporesa ʋaŋga renyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Efuremu paakaona kurwara kwake, naJudha maronda ake, Efuremu ndipo paakatendeukira kuAsiria, akatuma nhume kuna mambo mukuru kundotsvaka rubatsiro. Asi haagoni kukurapa, haagoni kuporesa mavanga ako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“VokwaEfuremu pavakaona chirwere chavo, vokwaJudha vachionawo ronda ravo, ipapo vokwaEfuremu vakaenda kuAsiria votuma nhume kuna mambo mukuru uya. Asi zvokukurapai haasi kuzokwanisa kana kuporesa ronda renyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Efuremu akati achiona kurwara kwake, naJudha vanga rake, Efuremu akaenda Asiria, akatuma nhume kuna mambo Jarebhi; asi iye haagoni kukuporesai, kana kuporesa vanga renyu.
Shona 2009?
"Efuremu akati achiona kurwara kwake, naJudha vanga rake, Efuremu akaenda Asiria, akatuma nhume kuna mambo Jarebhi; asi iye haagoni kukuporesai, kana kuporesa vanga renyu.
Shona SUB 2002 Bible
“Efuremu akati achiona kurwara kwake, naJudha vanga rake, Efuremu akaenda Asiria, akatuma nhume kuna mambo Jarebhi; asi iye haagoni kukuporesai, kana kuporesa vanga renyu.