Hosea 7:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ndicirapa Israeri, kuipa kwaEfraimi kwoʋonekwa neɀakashata ɀeSamaria; nokuti ʋanonyeŋgera, mbava inopinda mukati, ʋuye ɓoka ramakororo rinoparadza kunze.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pose pandichaporesa Israeri, zvivi zvaEfuremu zvichaiswa pachena uye mhosva dzeSamaria dzichabudiswa pachena. Vanoita zvounyengeri, mbavha dzinopaza dzimba, uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichiporesa vokwaIsiraeri, kuipa mwoyo kwevokwaEfuremu kuchaiswa pachena, nezviito zvakaipa zveSamaria zvichange zvichiiswawo pachena nokuti vanoita ujarijari uku mbavha dzinopaza kunze uku, mabhinya achipamba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu kwoonekwa nezvakashata zveSamaria; nokuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze.
Shona 2009?
"Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu koonekwa nezvakashata zveSamaria; nokuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu kwoonekwa nezvakashata zveSamaria; nokuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze.