Hosea 7:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanodzoka, asi haʋadzokeri kunaiye uri kumsoro; ʋakafanana noʋuta ʋunonyeŋgera; macinda aʋo acaparadzwa nomunondo nokuɗa kwehasha dzamarimi aʋo; ndiko kucaʋa kusekwa kwaʋo panyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Havadzokeri kuna iye Wokumusoro-soro; vakafanana nouta hunonyengera. Vatungamiri vavo vachaparadzwa nomunondo, nokuda kwamashoko avo ounhubu. Nokuda kwaizvozvi vachasekwa munyika yeIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanotendeukira kundonamata Bhaari vachiita souta hwakakombama-kombama. Machinda avo achafa nehondo yebakatwa pamusana pokuzvizuwidza kwavanoita nomuromo wavo. Izvozvi izvi zvichavaita kuti vave chiseko chaicho kunyika yeIjipiti.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanodzoka, asi havadzokeri kuna iye ari kumusoro; vakafanana nouta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeIjipiti.”
Shona 2009?
Vanodzoka asi havangadzokeri kuna iye ari kumusoro; vakafanana nouta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeIjipiti."
Shona SUB 2002 Bible
Vanodzoka, asi havadzokeri kuna iye ari kumusoro; vakafanana nouta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeIjipiti.”