Hosea 8:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Isa hwamanda pamuromo wako. Ɀinoʋuya segondo kuzorwa neimba yaJehova, nokuti ʋakaɗarika suŋgano yaŋgu nokutadzira murairo waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Isa hwamanda pamuromo wako! Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha. nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu uye vakapandukira murayiro wangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nomuromo wako, chiridza bhosvo sezvo vemba yokwaTenzi vatova nyama yemagora nokuti vakatyora chitenderano changu ini navo vakatyora mutemo wangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Isa hwamanda pamuromo wako. Zvinouya segondo kuzorwa neimba yaJehovha, nokuti vakadarika sungano yangu nokutadzira murayiro wangu.
Shona 2009?
"Isa hwamanda pamuromo wako. Zvinouya segondo kuzorwa neimba yaJehovha, nokuti vakadarika sungano yangu nokutadzira murayiro wangu.
Shona SUB 2002 Bible
“Isa hwamanda pamuromo wako. Zvinouya segondo kuzorwa neimba yaJehovha, nokuti vakadarika sungano yangu nokutadzira murairo wangu.