Hosea 8:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, kunyaŋge ʋaciɀitȿakira idzo pakati pamarudzi, ndicaʋaʋuŋganidza ɀino, ʋotaŋga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamacinda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvavo vakazvitengesa pakati pendudzi, ndichavaunganidza zvino pamwe chete. Vachatanga kuparara pasi poudzvinyiriri hwamambo ane simba guru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvazvo vakaita zvokubhadhara vatorwa vokuvakuta, mukati mevechirudzi ndichavakokorodza zvangu iye zvino uno vamborega kwakanguva kadiki zvokugadza mambo namachinda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo, kunyange vachizvitsvakira idzo pakati pamarudzi, ndichavaunganidza zvino, votanga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamachinda.
Shona 2009?
Zvirokwazvo, kunyange vachizvitsvakira idzo pakati pamarudzi, ndichavaunganidza zvino, votanga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamachinda.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo, kunyangwe vachizvitsvakira idzo pakati pamarudzi, ndichavaunganidza zvino, votanga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamachinda.