Hosea 9:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakawana Israeri ʋakaita samazambiriŋga murenje; ndakaʋona madziɓaɓa enyu ʋakaita seɀiɓereko ɀakataŋga kuibva pamuʋonde paŋguʋa yawo yokuɓereka yokutaŋga; asi ʋakaȿika paBaari‐peori, ʋakaɀiisa kuneɀinonyadzisa, ʋakaitwa ɀinonyaŋgadza ʋacifanana neɀaiɗikanwa naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pandakawana Israeri, zvakanga zvakafanana nokuwana mazambiringa murenje; pandakaona madzibaba enyu, zvakanga zvakaita sokuona zvibereko zvokutanga pamuti womuonde. Asi pavakauya kuBhaari Peori, vakazvitsaura kuti vazviise kuchiumbwa ichocho chinonyadzisa, vakava vasina maturo uye vakafanana nechinhu chavakada.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kuwana kwandakaita Isiraeri yainge magirepisi omusango nepandakaonawo madzibaba enyu ndakaaona semaonde okutangisa mumwaka wawo wokutanga. Asi pavakasvika kuBhaaripeori vakazvipira kunamata Bhaari vakabva vava chinhu chinosemesa kutofanana nechinhu chavakanga vava kuda ichocho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndakawana Isiraeri vakaita samadzambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kunezvinonyadzisa, vakaitwa zvinonyangadza vachifanana nezvaidikanwa navo.
Shona 2009?
"Ndakawana Isiraeri vakaita samazambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kune zvinonyadzisa, vakaita zvinonyangadza vachifanana nezvaidikamwa navo.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndakawana Isiraeri vakaita samazambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kune zvinonyadzisa, vakaitwa zvinonyangadza vachifanana nezvaidikanwa navo.