Hosea 9:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀakaipa ɀaʋo ɀose ɀiri paGirgari, nokuti ndi’po pandakaʋaʋeŋga; nemhaka yeɀakaipa ɀaʋanoita ndicaʋadziŋga paimba yaŋgu, handicaʋaɗi; macinda aʋo ose aka ndi mukira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nokuda kwouipi hwavo hwose muGirigari, ndakavavenga ikoko. Nokuda kwamabasa avo akaipa, ndichavadzinga kubva mumba mangu. Handichazovadizve, vatungamiri vavo vose vakapanduka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Uipi hwavo hwose hwabvira kuGirigari ndiko kwandakatangisira kuvavenga kwaita kuti ndivarange Pamusana pouipi hwamabasa avo ndichavadzinga mumba mangu. Handichambodazve; machinda avo ose imhandupandu chaidzo dzevanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nokuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira.
Shona 2009?
"Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nokuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nokuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira.