Hosea 9:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Efraimi ʋarobga, mudzi waʋo wawoma, haʋaŋgazoɓereki ɀiɓereko; ɀirokwaɀo, kunyaŋge ʋakaɓereka, ndicaʋuraya ʋaɗikanwa ʋakaɓerekwa neɀiɀaro ɀaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Efuremu arohwa, mudzi wavo, wasvava, havabereki chibereko. Kunyange vakabereka vana, ndichauraya vana vavo ivava vavanodisa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaEfuremu, vava muti zvavo wakarohwa mudzi wawo ukaoma havachabereka muchero. Kunyange vakabereka vana ndichauraya vana vavo vapamwoyo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyange vakabereka, ndichavauraya vadikanwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo.”
Shona 2009?
Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyange vakabereka, ndichavauraya vadikamwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo."
Shona SUB 2002 Bible
Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyangwe vakabereka, ndichavauraya vadikanwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo.”