Hosea 9:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haʋaŋgaɗiriri Jehova waini, ɀiɓayiro ɀaʋo haɀiŋgamufadzi; ɀiɓayiro ɀaʋo ɀicaita kwaʋari seɀokudya ɀaʋanocema; ʋose, ʋanoɀidya, ʋacaȿiɓiswa, nokuti ɀokudya ɀaʋo ndeɀaʋo ɀoga, haɀiŋgaȿiki muimba yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Havangadiri zvipiriso zvewaini kuna Jehovha, uye zvibayiro zvavo hazvingamufadzi. Zvibayiro zvakadai zvichava kwavari sechingwa chavanochema; vose vanozvidya vachava vakasvibiswa. Zvokudya izvi zvichava zvavo; hazvingaunzwi mutemberi yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ikoko zvokuti ivo vapire mipiro yokuteura yewaini kuna Tenzi, panenge pasisina, vasisakwanisi kumufadza nezvibayiro zvavo. Chokudya chavo chichange chichiita sechokudya chaparufu chinon'oresa wose anochidya nokuti chokudya chavo chichange chiri chokupodza nzara yavo chete chisingaendwe nacho kumba yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Havangadiriri Jehovha waini, zvibayiro zvavo hazvingamufadzi; zvibayiro zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nokuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki muimba yaJehovha.
Shona 2009?
Havangadiriri Jehovha waini, zvibayiro zvavo hazvingamufadzi; zvibayiro zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nokuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki muimba yaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Havangadiriri Jehovha waini, zvibairo zvavo hazvingamufadzi; zvibairo zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nokuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki mumba yaJehovha.