Hosea 9:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tarirai, ʋakabva nokuɗa kwokuparadzwa, asi ʋaEgipita ʋacaʋaʋuŋganidza, ʋeMemfisi ʋacaʋaʋiga; rukato rucaʋatorera ɀinhu ɀaʋo ɀesirveri ɀinofadza; minzwa icaʋa mumatente aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange dai vakapukunyuka kubva pakuparadzwa, Ijipiti ichavaunganidza, uye Memufisi ichavaviga. Matura avo esirivha achafukidzwa norukato, uye minzwa ichamera mumatende avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti izvozvi, vari kutoenda mukuparadzwa. Ijipiti ichavatuta vachindovigwa kuMemufisi. Hunye huchati memete pazvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha mumisha yavo yematendhe muchava neminzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tarirai, vakabva nokuda kwokuparadzwa, asi vaIjipiti vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; minzwa ichava mumatende avo.
Shona 2009?
Nokuti tarirai, vakabva nokuda kokuparadzwa, asi vaIjipiti vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; mhinzwa ichava mumatende avo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti tarirai, vakabva nokuda kwokuparadzwa, asi VaIjipiti vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; minzwa ichava mumatende avo.